Mr Makaza
By Elisha Never Makaza ยท Updated 14 Jul 2026
Murimi chengetedza Goho Rako: Kudzivirira Kubirwa.
1. Vatengesi vembeu nefetereza venhema.
Munhu anokupa mutengo wakaderera, achiti tanga wabhadhara neEcoCash wozotora zvinhu. Zvinhu hazviuyi, kana kuti imbeu yenhema inoparadza munda wako.
MUTEMO: Tenga kune vatengesi vaunokwanisa kushanyira. Usambobhadhara mari usati waona zvinhu.
2. Vatengi venhema.
"Mutengi" anokupa mutengo uri pamusoro pemusika, okumbira kuti uunze chibage kana zvipfuwo zvako, achivimbisa kubhadhara pashure. Anonyangarika.
MUTEMO: Mari ngaive pamberi, zvipfuwo or mbeswa dzenyu dzozoenda Kana mutengo wakanakisa kupfuura zvinowanzoitika, kazhinji inhema.
3. Zvikwereti nemari dzerubatsiro dzenhema.
"Chirongwa chehurumende" kana "mari yeNGO" : asi unofanira kutanga wabhadhara mari yekunyoresa. Zvirongwa zvechokwadi hazvimbokumbiri kuti ubhadhare kuti ugamuchire mari.
MUTEMO: Bvunza kuAgritex officer (murimisi) kana councillor wenzvimbo yenyu musati mabhadhara chero mari.
4. Zvirongwa zvepyramid zvakapfeka chipfeko chekurima.
"Isa mari muchirongwa chedu chehuku/mbudzi mari yako yopetwa kaviri." Vanobhadhara vekutanga nemari yevachangopinda muchirongwa, zvobva zvaparara.
MUTEMO: Kana mubairo wako uchibva pakukwevera vamwe vanhu, ibva ipapo.
5. Hunyengeri hweEcoCash.
Mameseji enhema ekuti "ndakuisira mari" achikumbira kuti udzosere, kana kufonerwa nevanonyepera kuve veEconet vachikumbira PIN yako.
MUTEMO: Usambopa munhu PIN yako. Tarisa mari yako chaiyo usati wadzosera chero ani.
TSIKA NHATU DZEKUZVICHENGETEDZA:
1. Ongorora usati wabhadhara.
2. Iva nechapupu chaunovimba nacho pakutengeserana.
3. Musamhanyiswe pakutengeserana
Ndatenda zvangu.